Nhengo dzeMDC Alliance Dzakasungwa kuChinhoyi Dzotarisirwa Kumiswa Pamberi peDare

  • Blessing Zulu

Nhengo dzeMDC Alliance dzakasungwa neMugovera kuChinhoyi dziri kutarisirwa kumiswa pamberi pedare muChinhoyi.

Nhengo dzebato guru rinopikisa reMDC Alliance dzakasungwa pamahofisi ebato iri muChinhoyi nemusi weMugovera dziri kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti neMuvhuro.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti nhengo dzavo dziri kupomerwa mhosva yekutyora mutemo une chekuita nekurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi ravo, asi vakaudza bepanhau reThe Herald kuti vanhu vanofanira kuramba vachitevedzera mitemo yekuti vagare mudzimba.

Asi mamwe mapato anopikisa kusanganisira reMDC Alliance ari kunyunyuta kuti kunyangwe vebato reZanu-PF neveMDC-T vari kubvumidzwa kuita misangano yavo, ivo vari kuramba vachisungwa, zvinhu zvinonzi neUnited Nations hazvifanire kuitwa nedzihurumende kusanganisira yeZimbabwe.

United Nations inoti nyaya yekurwisa denda reCovid-19 haifanire kushandiswa kushungurudza vanhu nekumbunyikidza kodzero dzavo.

Nhengo yedare reparamende yakazvimirira VaTemba Mliswa vakasungwawo mavhiki maviri adarika vachipomerwa mhosva imwecheteyo apo vakaita musangano nevatori venhau kumba kwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo