VaChamisa Vanoshoropodza Kushandiswa kweVana veChikoro Mune zveMatongerwo eNyika

Mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa

Mutungamiriri weMDC-T uye vari vachamirira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo dzemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa vaita musangano mukuru nevatsigiri vavo muKadoma murwendo rwavo rwekutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rino.

VaChamisa vabata nyaya dzakasiyana siyana asi vatanga nekushoropodza kuputitswa kweriri kufungidzirwa kuti ibhambu neMugovera pamusangano weZanu PF kuWhite City Stadium kuBulawayo pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, Va Emmerson Mnangagwa pavaisangana nevatsigiri vebato ravo.

Chiitiko ichi chashoropodzwawo nasachigaro veSADC uye vari mutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, avo vati SADC ichaongorora chiitiko ichi yotora matanho akafanira kuti sarudzo dzienerere mberi munyika.

Vachitaura kuvatsigiri vavo, Chamisa vashoropodzawo nyaya yekushandiswa kwevana vechikoro mune zvematongerwo enyika vachiti izvi zvinofanira kumiswa.

Vatiwo vari kuzviona kuti boka rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo reZEC riri kuronga kubatsirana neZanu PF kubirira sarudzo, vachiti bato ravo richaramwa sarudzo idzi kana vakangoona kuti pane kubirira kunogona kunge kwakaitika.

Va Chamisa vazivisawo vatsigiri vavo kuti havana hurongwa hwekushanda pamwechete nehurumende yaVaMnangagwa semubatanidzwa sezviri kuburitswa nemamwe mapoka enhau.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswaane University kuPretoria kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza vanoti mashoko ose ataurwa naVaChamisa pamusangano wavo uyu mashoko anotarisirwa kunge achitaurwa nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika, asi asingazotarisirwi kuti zvose zvavanenge vataura zvinobudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza