Mutongi wedare reMbare mejasitiriti arasa nyaya yanga ichi pomerwa Muzvare Linda Masarira pamwe nevamwe vapfumbamwe mushure mekunge hurumende yakundikana kusvitsa nyaya yayo izere mudare.
Muzvare Masarira nevamwe vavo ava vanga vachipomerwa mhosva yekukanganisa mapurisa kuita basa ravo apo vaiedza kusunga Doctor Patson Dzamara nevamwe vavaive navo muAfrica Unity Square pavairatidzira.
Gweta riri kumirira Muzvare Masarira nevamwe vavo, VaObey Shava veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti kuraswa kwenyaya iyi kunotevera chikumbiro changa chaitwa kudare nevachuchisi chekuti nyaya iyi iendeswe mberi sezvo hurumende yanga isati yapedza kugadzirira.
Asi VaShava vanoti mutongi wedare aramba chikumbiro ichi achibva arasa nyaya, achiti kana hurumende yazoda kutevera nyaya iyi inoita izvi kuburikidza nemasamanisi.
Asi mutongo uyu hauna zvawabatsira mukuti Muzvare Masarira vaburitswe muchizarira, sezvo vaine imwe mhosva yavari kupomerwa yekutuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
VaShava vanoti mapurisa ekwaMutare ane gwaro rekusunga Muzvare Masarira, izvo zvaita kuti vasaburitswa. Asi vanoti vari kuedza kuti mapepa enyaya iyi aendeswe kuHarare nekukasika kuitira kuti nyaya iyi inzwikwe kumatare.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObey Shava