Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvoziva Kwazvakabva

  • Jonga Kandemiiri

VaKunaka nesangano ravo vari kubatsira zvikoro nekupa mabhuku

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara kuNew Zealand zviri kuzadzisa chirevo chekuti ‘ziva kwawakabva’ kuburikidza nekubatsira kumusha nezvekushandisa muzvikoro kwazvakadzidza.

Zvizvarwa izvi zvichishanda pasi pesangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust, zviri kuunganidza mabhuku ekubatsira zvikoro, zvikuru zvekumaruwa zvinoshupika.

Vari kutungamira chirongwa ichi, VaDryden Kunaka, vanoti hurongwa hwavo huri kutambirwa nemufaro muzvikoro zvavari kubatsira sezvo vana vakawanda muzvikoro izvi vasina mabhuku ekuverenga mumatura ezvikoro kana kuti malibrary.

VaKunaka vanoti pane vanasikana mapatya verudzi rwechiIndia vari kuNew Zealand ikoko pamwe nemwanasikana wavo, Ropafadzo, vakaunganidzawo mari inoita mazana mashanu emadhora iyo ichatengeswa mabhuku kumusha.

Asi vanoti pachine dambudziko muzvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvisati zvatambira kuti zvinogona kubatsirawo nemari kana rumwe rubastiro.

“Kuno kuNew Zealand uku idambudziko guru kwazvo,” VaKunaka vanodaro. “MaZimbabweans ari kuno akati wandeyi asi vakaisawo musoro mazviri pamwe havasviki 20.”

VaKunaka vanoti vari kutonyanya kuvabatsira zvizvarwa zveNew Zealand.

Vanoti izvozvi vane hurongwa hwekutumira kumusha container rizere nemabhuku akaunganidzwa ikoko.

Vanoti pari zvino vabatsira zvikoro zvinodarika gumi nemabhuku.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDryden Kunaka