WASHINGTON D.C. —
Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti vari kufara zvikuru nekuparurwa kwematare anotonga nyaya dzehuori nezuro nemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba.
Kune matare matatu akavhurwa muHarare uye mamwe maviri kuBulawayo. Judiciary Services Commission yakatodoma vatongi gumi nevaviri kuti vatonge nyaya dzehuori idzi.
Sangano rinoongorora nyaya dzehuori pasi rose reTransparency International rinoti Zimbabwe panyaya dzehuori iri pachidanho chezana nemakumi mashanu nemanomwe (157) panyika zana nemakumi masere (180) dzakaongororwa zvichireva kuti huori hwatekeshera.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi