VaJim Kunaka veZanu PF Vopomerwa Mhosva yeKutyisidzira Nhengo dzeMDC-T neRufu

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki veMDC T

VaJim Kunaka, avo vakambenge vabuda muZanu PF vachinopinda mubato reZimbabwe People First rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru asi vakazodzokera kuZanu PF, vanonzi vatyisidzira nerufu VaDenford Ngadziore, vanove munyori muboka revechidiki vebato reMDC T mudunhu reHarare.

VaKunaka vanonzi vachaira VaNgadziore nhare vakatanga nekutaura zita ravo vachibva vazozivisa kuti nhasi usiku nhengo dzebato reZanu PF dzichapisa dzimba nemidziyo yevatsigiri vebato rinopikisa reMDC T.

VaKunaka vanonzi vapa zvikonzero zvekuti vachapisa dzimba idzi nekuda kwezviri kuitwa nevatsigiri veMDC T zvekuratidzira vachishora hurumende yaVaRobert Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF.

VaNgadziore vanoti mashoko avatambira kubva kuna VaKunaka aya avatyisa chose sezvo VaKunaka vachizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga pamwe nechikwata chavo cheChipangano.

“Tave kutotyira hupenyu hwedu nekuti VaKunaka vanozivikanwa nemhirizhonga. Saka ndaudzawo hutungamiri hwebato redu uye vamwe vangu vechidiki kuti tione kuti tachengetedza hupenyu hwemhuri dzedu pamwe nemhuri dzedu,” VaNgdziore vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenford Ngadziore

Asi VaKunaka varamba mashoko aya pavabvunzwa neStudio 7 vachiti hapana kana chikonzero chingaita kuti vade kurwisa VaNgadziore nekuti havasi munhu avangatya.

VaJim Kunaka

VaKunaka vanoti kana vaine zvavanoda kuita kunhengo dzeMDC T vanongoita zvisina dambudziko.

"Ndinovatyisidzira pakayi? I think that's being stupid. I think you better find a better story for me to answer. You better find chimwe chiri nhingi, handina kana dhiri navo avo. Handityisidziri munhu ini nekuti kana ndichida munhu ndino dealer naye one-on-one. he is not even a threat to me," VaKunaka vaudza Studio 7 parunhare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJim Kunaka

Zvichakadaro, vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu-PF mudunhu reMasvingo vanonzi neChina usiku vakapisa musha wasachigaro weMDC-T Youth Assembly mudunhu iri VaPhillip Chingini vakaparadza midziyo inokosha zviuru zvemadhora.

Nhengo yeMDC-T iyi inonzi inogara mumusha weChiredzi uye yaipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti varatidzire mumasvingo kutigira MDC-T.

Asi sachigaro weZanu-PF mudunhu iri VaAmasa Nenjana varamba mashoko ekuti bato ravo riri kuita zvemhirizhonga.