Vana veZimbabwe Vari Kunze kweNyika Vobatana neVamwe paZuva reKuzvitonga

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, vachibatidza rimi remucherechedzo werusunguko pazuva rekupemberera kuzvitonga

Vana veZimbabwe vari mativi mana epasi rose vabatana nemhuri yeZimbabwe iri kumusha mukucherechedza pamwe nekupemberera kusvitsa kwenyika yavo makore makumi matatu nemasere yawana kuzvitonga kuzere kubva kuBritain.

Kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni mana zvichinzi zviri kunze kwenyika, vakawanda vavo vanoti havana kuchinja mutupo nekubvakacha kana kushanya, vachiti vangaenda kunyika dziri kure sei asi vanoramba vari vana veZimbabwe chete.

Izvi ndizvo zvinonzi zvaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muWashington D.C, Maryland, neVirginia, zvibatane neMugovera uno kupemberera zuva rekuwana kuzvitonga iri.

Mumwe wevari kuronga nezvemabiko aya, Muzvare Shingi Mangwiro, vanoti nekuda kwekuti vakawanda vanenge vakabatika pakati pesvondo, vakundikana kuungana neChitatu kuti vaite mhemberero, asi vachasangana neMugovera muGaithersburg, muMaryland uko vachadya nekuita mitambo yakasiyanasiyana.

Muzvare Mangwiro vanoti vabatana nemuzinda weZimbabwe uri muD.C. mukuita mabiko aya, uye vari kukurudzira vanhu vose kuti vaungane, zvisineyi nemapato ezvematongerwo enyika avanotsigira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Shingi Mangwiro