Mutori weNhau weKusungwa Achiita Basa Rake kuMozambique, Pindai Dube, Anoburitswa muHusungwa

  • Blessing Zulu

Dube akasungwa achitevera nyaya yekupondwa kwevanhu nevanopfurikidza mwero vechitendero cheIslam kuPemba kuMozambique.

Mutori wenhau wemuZimbabwe achishandira eNCA News yekuSouth Africa Pindai Dube, uyo akasungwa neMugovera kuPemba, kuMozambique achitora nhau dzine chekuita nevanopfurikidza mwero vechitendero chechi Islam akazoburitswa muhusungwa neSvondo.

Dube akasungwa pamwe chete nevamwe vaviri vemunyika iyi vaimubatsira mubasa rake vakaendeswa pakamba yemapurisa inonzi Wimbe.

Vanopfurikidza mwero ava mwedzi wapera vakacheka vanhu vashanu misoro nemapanga zvikuru munzvimbo inonzi Cabo Delgado, iyo inoendwa nevashanyi zvakanyanya.

Nzvimbo iyi inonzi yazara mapurisa nemauto asi kurwiswa kwevanhu hakusi kumira. Nyaya dzekucheka vanhu misoro idzi dzinowanzoitwa nevanopfurikidza mwero veAl Qaida neIslamic State.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naPindai Dube