Ishe Nembire Votungamira Mukuvigwa Patsva kweMagamba Arere Mudunhu Ravo

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe National Heroes Acre

Zimbabwe yakacherechedza neMuvhuro zuva remagamba mapenyu nevakafa muhondo yeChimurenga vachirwira kusunungura nyika.

Asi vazhinji vevakafa muhondo ava vachakarara munzvimbo dzavakapararira, kunyange hazvo panga paine hurongwa hwekuti vachengetedzwe patsva kana kuti pavarere pagadziriswe.

Nekuda kwekushayikwa kwemari, hurumende haina kukwanisa kuita sezvaitarisirwa nevanhu zvekuti vanhu vose ava vange vachengetedzwa zvine chiremera.

Asi mudunhu reMbire, kuMt. Darwin kuMashonaland Central, Ishe Nembire, VaClemence Nembire, vanoti vari kuita zvose zvavanokwanisa mukuona kuti vana vevhu vakapararira mudunhu ravo varadzikwa patsva kana kuti pavarere pagadziriswa.

Ishe Nembire vanoti kubva hurumende payakapa basa iri kumadzishe, mudunhu ravo vagadziridza makuva evakashaya munguva yehondo akawanda, vamwe vachinovigwa kumisha yavo kwavaibva.

Vanoti izvozvi pane mamwe mabondo evanofungidzirwa kuti vaive varwiri vehondo yeChimurenga akawanikwa mugomo rinonzi Bwezero riri mudunhu mavo, amirira kuti avigwe patsva.

Asi Ishe Nembire vanoti vachakamirira kuti vapiwe munongedzo nemasvikiro pamwe nevakuru vedunhu ravo vavanoshanda navo kuti vazive kuti vangavige sei mapfupa aya.

“Izvi zvasiyana nemutumbi unotorwa kumochari unenge uine tegi rine zita kuti uyu ndiani, Ishe Nembire vanodaro. “Hazvisi zvekuti unongoti karamata.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naIshe Nembire, VaClemence Nembire