Amai Mugabe Voshorwa neKuti VaMugabe Vachatonga Kusvika Madhongi Amera Nyanga

  • Jonga Kandemiiri

Amai Grace Mugabe

Bato rinopikisa reMDC T pamwe nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti mashoko akataurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe mukupera kwesvondo ekuti VaMugabe vachatonga vari muwheel chair, mashoko anoshoreka zvikuru.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti mashoko aya anoratidza kuti mhuri yemutungamiri wenyika haina rukudzo kuvana veZimbabwe sezvo zvichiita sekunge vanofunga kuti zvido zvavo ndizvo zvinotambirwa, kwete kuti vanhu vafunge voga.

Vachitaura kumusangano wavakaita kwaMurehwa neMugovera, Amai Mugabe vakati vachagadzirira VaMugabe wheel chair yakakodzera yekuti kana vave kutadza kufamba vachavasunda vachienda navo kumisangano.

“Mugabe tichamugadzirira special wheel chair yekuti kana akutadza kufamba tichamuisa muwheel chair tichienda naye ku rally,” vakadaro Amai Mugabe. “Nokuti zvinoitika pasi pano apa hapana chinomboshamisa. 100 years ari pachigaro. Ko kutyeyi?”

Amai Mugabe vakati ivo vafamba nyika dzakawanda uko vakaona dzimwe nyika dzichitungamirwa nevasingaoni, vakati zvino VaMugabe vanenge vachiona.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko emudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe

Asi VaGutu vanoti nhengo dzebato ravo dziri muparamende dziri kuronga kutora matanho ekuti VaMugabe vasiye basa nekuti vakwegura kuburikidza nekuvhota mudare reparemende.

“Chinonyanyotifadza ndechokuti nhengo zhinji dzeparamende dzakavhoterwa under Zanu PF hadzichadi kuhwa nezvaMugabe, saka takabatana navo ivavo tikaita impeachment process mudare re parliament tino budirira,” VaGutu vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF VaGadzira Chirumanzu vanotiwo hapana zvinokwaniswa kuitwa neMDC T kana VaMugabe vachiri kudiwa nevanhu vakavasarudza kuti vatonge.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachishanda vakazvimirira, VaChamu Madiridze vanotiwo mashoko aAmai Mugabe aya haatarisirwe kunge achibva kumunhu mukuru akaita saivo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChamu Madiridze