Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti manyepo ari kubuda mumapepanhau nemumadandemutande ekuti mutungamiri waro VaTsvangirai vari kuita nhaurirano nerweseri nemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, dzekuumba hurumende yemubatanidzwa.
Mumashoko avatumira kuvatori venhau, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti hapana nhaurirano dzine makomborero ebato ravo dziri kuitwa naVaTsvangirai, kana nani zvake achimirira bato ravo.
VaGutu vanoti pane nhaurirano dzinogona kunge dziri kuitika pakati penhengo dzeMDC-T nenhengo dzeZanu PF dziri kunze kwebato ravo, dzisineyi nechekuita naVaTsvangirai.
Vanoti pari zvino bato ravo rakanangana nekukurudzira kuti vanhu vaende kunonyoresa kuvhota pasi pechirongwa cheBiometric Voter Registration chiri kutungamirwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu