Zanu PF Inoti Haina Hurongwa hweKuumba Hurumende yeMubatanidzwa neMDC Alliance

  • Blessing Zulu

Munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti parizvino bato ravo harina hurongwa hwekuita hurumende nemubatanidzwa nebato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti mukova wavo hwakavurika kuita nhaurirano naVaChamisa.

Asi VaChamisa avo vakarambawo zvehurumende yemubatanidzwa vanoti hakuna munhu kubva kuhurumende kana bato reZanu-PF akauya kuzotaura navo zviri pamutemo nenyaya yenhaurirano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana