Fews Net Yokurudzira Kuwedzerwa kweNguva Inopiwa Vanhu Rubatsiro rweChikafu Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Fews Net inoti nguva yenzara munyika inofanirwa kuwedzerwa nemwedzi mumwechete

Sangano reFamine Early Warning Systems Network, Fews Net, iro rinopa chenjedzo pamwe nekuongorora nyaya yenzara, rinoti nzara icharamba yakapfunya chisero munyika izvo zvaita kuti rikurudzire kuwedzerwa kwe kupiwa kwerubatsiro nemwedzi mumwe chete kubva pamwedzi waKurume kuenda mukupera kwaKubvumbi.

Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti mhuri dzinoshaya mune mamwe matunhu dzanga dzichipiwa rubatsiro rwechikafu dzinofanirwa kuramba dzichibatsirwa kusvika mukupera kwaChivabvu, sezvo dzisina kuwana chikafu chinyoro chekuti dzidye kusvika munguva yekukohwa.

Reverend Forbes Matonga vanove nyanzvi munyaya dzechikafu vanoti gwaro reFews Net iri riri kutoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzechikafu.

“Mwedzi ino iyi ndiyo mwedzi yemaguta yekuti vanhu vane zvinhu zvakadai semanhanga, mapudzi nemimwe miriwo iya inowanikwa muminda iya iyi, saka zvazviri kureva nezvekuti zvinhu izvozvo hazviko,” Rev. Matonga vanodaro.

Vanoti izvi zvinoreva kuti pari kungoitwa kubva mukuwaniswa rubatsiro rwechikafu pachipindwa mune rwumwe rubatsiro rwechikafu pasina kana kakumbozorora kaya kekuti vanhu vambowana twumaguta.

Fews Net inoti inotarisira kuti vanhu vangangosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazanna manomwe vanenge vari mudambudziko rechikafu kubva mumwedzi waChikumi kusvika mwedzi waGunyana.

Sangano iri rinoti izvi zvinoita kuti padiwe rubatsiro nechimbichimbi kuitira kuvhara maburi enzara pamwe nekuchengetedza hupenyu hwevanhu.

Fews Net inoti nekuda kwekunaya kuri kuita mvura mune mamwe matunhu mafuro ezvipfuyo ari nani.

Asi VaMatonga vanoti panguva yenzara yakadai, vanopa rubatsiro vanowanzokanganwa kutarisawo zvipfuyo.

“Ndipo paya panonzi paribe chembwa tenzi vararira mutakura,” vanodaro.

Hurumende yakatozivisa kuti vanhu vanoda kusvika mamiriyoni mana vanoda rubatsiro rwechikafu.

VaMatonga vanoti vanokurudzira vanhu vachiri kuwana mvura mumatunhu avo kuti varime miriwo yavanozofusha kuitira kuti vangozopiwa rubatsiro rwechibage chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Forbes Matonga