Makambani Akawanda Obatana neEMCOZ Mukupikisa Mutemo weMabasa

  • Jonga Kandemiiri

ZCTU inoti vashandi vanodarika zviuru makumi maviri nezvishanu vamiswa mabasa.

Mukuru wesangano rinomirira vashandirwi, reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti kubva pakakwidzwa nyaya yekukwikwidza mutemo wemabasa uchangobva kuvandudzwa, weLabour Amendment Act 5 of 2015, vashandirwi vakawanda vave kubatana navo mukupikisawo mutemo uyu kumatare.

VaMufukare vanoti pavakakwidza nyaya yavo kuHigh Court sesangano, dare repamusoro iri rakavakurudzira kuti vabatane pamwe chete nevamwe vose vari kupikisawo mutemo uyu kuitira kuti nyaya yavo inzwikwewo pamwe chete.

Vanoti vashandirwi vari kupokana nechikamu chemutemo uyu chinoti vashandi vakamiswa mabasa vabhadharwe makore avakagara pakambani, kunyange hazvo kambani yaishandisa mutongo wedare repamusoro soro waipa vashandirwi masimba ekumisa mushandi basa mushure mekumupa chiziviso chemwedzi mitatu.

“Tri kufadzwa zvikuru nezvikamu zvizhinji zvemutemo uyu, asi tinofunga kuti hazvina kujeka kuti vashandirwi vakamirira mutongo weSupreme Court panyaya yekumiswa kwevashandi mabasa vachipiwa zviziviso zvemwedzi mitatu ndivo vanofanirwa kushungurudzwa,” vanodaro VaMufukare.

Kunyange hazvo varamba kutaura kuti vave nemakambani mangani abatana navo mukukwikwidza mutemo wemabasa uyu, Studio7 yatsvakurudza ikawana kuti pane makambani anodarika gumi.

Sangano revashandi reZCTU rinoti kubva padzikwa mutongo uyu neSupreme Court, vashandi vanodarika zviuru makumi maviri nezvishanu vamiswa mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Mufukare