Hurumende Yokurudzirwa Kusadzimira veMigodhi Magetsi

  • Jonga Kandemiiri

Nyika inonzi haina magetsi anoikwanira zvichitevera kuderera kwemvura mudhamu reKariba

Hurumende inonzi yave kuronga kukurudzira makambani anochera zviwanikwa kuti aderedze huwandu hwemagetsi aanoshandia nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana senzira yekuchengetedza nayo magetsi.

Danho iri rakaziviswa neChipiri mudare reparamende negurukota rezvemhando dzemoto VaSamuel Undenge, avo vanonzi vakati makambani akaita seSinosteel Corporation Ltd yekuChina, Anglo American Platinum neImpala Platinum Holdings anofanirwa kutoderedza huwandu hwemagetsi aanoshandisa.

Vakati kana danho iri rakatorwa nyika inokwanisa kuchengetedza magetsi ane huwandu hunosvika mamegawati makumi maviri nemashanu, ayo anozoshandiswa mune zvimwe zvinhu.

Asi nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vanoyambira hurumende kuti danho iri harina zvarinobatsira sezvo richikwanisa kutozosiya makambani aya asisakwanisi kushanda zvakasimba, ogumura vamwe vashandi mabasa uye kutadza kugutsa misika yawo.

“Chekutangisisa rino afekita nyaya dze production, chechipiri kana production yakanganiswa, zvino afekita employment, zvoafekita zvakare ma exports,” VaChitambara vanodaro.

VaChitambara vanoti nyika yakarara nezamu mumukanwa kwenguva yakareba kwazvo ichi kanganwa kusimudzira nyaya dzemhando dzemoto.

Vanotiwo makambani emigodhi anga atove kutatarika nechekare nekuda kwemitengo yezvicherwa yaderera pamisika yepasi rose.

Nyika yakatarisana nedambudziko gukutu rekushaikwa kwemagetsi zvichitevera kusanhanda zvakanaka kwemagwenya eKariba neHwange.

KuKariba, kudzikira kwemvura mudhamu reKariba kunonzi ndiko kwawedzerawo dambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara