ZEC Yokurudzirwa Kutanga Dzidziso Pamusoro peSarudzo

  • Blessing Zulu

ZESN

Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN, rinoti sangano reZimbabwe Electoral Commission rinofanira kutanga kuita dzidziso yesarudzo dzemwedzi unouya sezvo pasina zvakawanda zviri kuitwa pari zvino.

Sachigaro veZESN, VaAndrew Makoni, vanoti dzimwe nguva ZEC yakanga yakamirira kuti itange yaburitsa gwaro revavhoti, saka sezvo gwaro iri rakabuda, inofanirwa kuchitanga kuitisa dzidziso yesarudzo.

Vanoti zvimwe zvinokwanisa kunge zvainetsa ZEC inyaya yekuti yakanga isati yave nemazita evanhu vachakwikwidza musarudzo pamwewo nemicherechedzo ichashandiswa nemapato ezvematongerwo enyika mukukwikwidza.

ZEC yakatoendeswa kumatare edzimhosva nesangano reVeritas nenyaya yekunonoka kupa veruzhinji dzidziso pamusoro pesarudzo, asi VeZEC vanoti zvavari kuita zviri mubumbiro remutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAndrew Makoni