SSB Yotambirisa Yoga Vashandi veMizinda yeNyika Vari Kunze

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa (kuruboshwe)

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi inoti danho rinonzi rakatorwa neboka rehurumende rinoona nezvemihoro, reSalary Service Bureau, SSB, rekutora basa rekubhadharwa kwevashandi vemizinda yehurumende, iro rinonzi raiitwa nebazi rezvekunze kwenyika, harina zvarinobatsira.

Mukuru mubazi rezvemari, VaZvinechimwe Churu, neMuvhuro vakaudza masachigaro emakomiti eparamende pamusangano wakaitirwa muHarare kuti kubva mwedzi wapera bazi ravo ndiro rava kuona nezvekutambiriswa mari kwevashandi vebazi rezvekunze vari kushandira mizinda yenyika.

VaChuru vanonzi vakati danho iri richarerutsa matambudziko ekunonoka kuwana mihoro kuri kuitika kuvashandi vekumizinda yeZimbabwe kunze kwenyika, vachiti mari yaipiwa kubazi ravo nebazi rezvemari ichifanirwa kuenda kumihoro yaizoendawo kune zvimwe zvaitarisana nebazi rezvekunze.

Musangano weMuvhuro uyu wakanga wakarongwa neUnited States Agency for International Development Strategic Economic Research and Analysis-Zimbabwe.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfery Kanyenze, vanoti danho iri harina zvikuru zvarinobatsira sezvo hurumende iri kunetsekana nekuwana mari.

“Handioni paine zvekuti zvingashanduke nekuti ose mapazi ehurumende,” Doctor Kanyenze vanodaro.

Vanoti hurumende yaitofanirwa kuti ive nechido chekuti vanhu vayo vari kunze vakasike kubhadharwa.

“Zvino iye zvino kana zvave kunzi mari yacho yoenda nekuSalary Service Bureau, handifungi kuti zvinganyanyoshandura zvinhu nekuti hurumende yacho ihurumende imwe chete iri kushaiwa mari,” VaKanyenze vanowedzera.

Doctor Kanyenze vanoenderera mberi vachiti ongororo iri kuitwa nehurumende yekuverenga vashandi vayo uye kuburitsa vashandi vanonzi zvipoko haina zvainombobatsira sezvo mamwe makurukota akatobuda kare achiti haadi kuti mapazi awo abatwebatwe.

Vanoti hurumende yaifanirwa kushandisa ongororo yakaitwa mugore ra2009 nekambani ye Ernst and Young, iyo yakaratidza kuti pane vanhu zviuru makumi manomwe nezvishanu vakanga vasina kunyatsopinda basa zvakatswasuka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze