Hurumende, Vashandi neVashandirwi Vomutsiridza Hurukuro dzeSocial Contract

  • Jonga Kandemiiri

Sangano revashandi reZCTU

Hurumende, vashandi pamwe nevashandirwi vave kuronga kumutsiridza chibvumirano chekushanda pamwe che social contract, kuburikidza nenhaurirano dziri kuitwa iye zvino.

Chibvumirano ichi chinonzi ndicho chinoonekwa nehurumende senzira chete inokwanisa kubatsira mukubvisa nyika mumatambudziko ayiri.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, neMuvhuro rakatosvitsa kuhurumende gwaro aro rinoratidza pamire vashandi panyaya iyi, uye zvavanoda kuti zvinge zvichigadziriswa, kuitira kuti chibvumirano ichi chibudirire.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi vakati vanoda kuti zvakawiriranwa kumusangano weKadoma Declaration wakaitwa muna Nyamavhuvhu 2001 kuKadoma zvizaziswe, uyewo kuti nyaya dzematongerwo enyika dzinyatsoongororwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Nyaya ye social contract yakaparurwa muna 2000 kuburikidza nekunyoreranwa pasi kwekutambirwa kwehurongwa hwekuumba muonera pamwe uyu, asi hapana zvimwe zvakazoitwa kusvika muna Zvita wegore rapera apo hurumende yakamutsiridza zvakare hurukuro dzenyaya iyi.

Mukuru wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti sangano ravo rakatoendesa kare pfungwa dzaro kuhurumende pamusoro penyaya iyi.

Asi vanoti kana hurumende yakasatora matanho ekugadzirisa mashandisirwo emari munyika, havaoni chirongwa ichi chichibudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Mufukare