Vashandi Voramba Vachirasikirwa neMabasa

  • Jonga Kandemiiri

ZCTU

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti vashandi vanosvika zviuru zvina nezana nemakumi manomwe nevaviri vakarasikirwa nemabasa kubva muna ndira kusvika muna gunyana gore rino.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti izvi zvinotsinhira zvagara zvichitaurwa nesangano ravo kuti zvinhu zviri kuramba zvichiomera vashandi munyika.

Huwandu uhwu hwunonzi hwakaburitswa neboka reRetrenchment Board, iro rinoti gore rapera vashandi vanosvika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu ane gumi nevanomwe, vakarasikirwawo nemabasa panguva imwecheteyo.

VaMoyo vanoti vanhu vanogona kufunga kuti zvinhu zvave nani sezvo huwandu hwevaburitswa mabasa hwaderera, asi chokwadi chiripo ndechekuti makambani haachina vanhu vekuburitsa mabasa.

Vakarasikirwa nemabasa vakawanda vanonzi vanosanganisira vashandi vemakambani anochengetedza zvinhu, vanogadzira machira nembatya, vemumigodhi nevemumapuranga pamwe nevanogadzira dzimotokari.

Svondo rapera sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rakaburitsawo gwaro raiti huwandu hwezvigadzirwa zvemunyika hwaderera nezvikamu zvitatu nezvidimbu zvitatu kubva muzana.

"Vamwe vashandi vanomiswa mabasa kumafekitari, nekumakambani, kwavanongowirirana nevashandirwi saka huwandu hwevari kusiya mabasa hunogona kunge hwuri pamusoro kwazvo," VaMoyo vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo