Kuratidzira Kukuru Kwotarisirwa neChitatu Munyika Yose

  • Jonga Kandemiiri

National Electoral Reform Agenda, NERA

Mapato ari pasi pemubatanidzwa weNERA pamwe nemasangano akazvimirira ari kutarisirwa kuratidzira nemusi weChitatu achipikisa kuenderera mberi kwekuparurwa kwema bond note nehurumende kunyange vanhu vari kuaramba.

NERA neMuvhuro yakakurudzira vanhu kupfeka nhumbi nhema senzira yekuchema kumanikidzwa nehurumende kutambira mari iyi.

NERA, iyo inobatanidza mapato gumi nemasere ezvematongerwo enyika, yaive yakaronga kuratidzira uku neChitatu chesvondo rapera asi mapurisa akavarambidza kupinda mumugwagwa.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe razivisawo kuti richapindawo mukuratidzira uku, uye richapinda zvakare mune kumwe kuratidzira kunonzi kuri kurongwa nemasangano anosanganisira revashandi reZCTU nemusi weChishanu, 1 Zvita

NeMuvhuro mutauriri weTajamuka/Sesijikile, VaPromise Mkwananzi, nemumwe wavo, VaMehluli Dube, vakasungwa nemapurisa muHarare mushure mekuungana vachironga nezvekuratidzira kwemusi weChitatu uku.

VaMkwananzi vakazivisa kare kuti sangano ravo richapindawo mukuratidzira uku, vachiti mapurisa akatoziviswa kare nezvehurongwa uhwu.

Vechidiki vebato reMDC –T ndevamwe vakazivisawo kuti vachapinda mukuratidzira uku. Mutungamiri wevechidiki ava.

Ma bond note akaparurwa nemusi weMuvhuro, uye atove kushandiswa munyika kunyange hazvo vanhu vari kuaramba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu