Mhuri yaVaItai Dzamara Yoronga Kusangana naVaMnangagwa

  • Jonga Kandemiiri

VaItai Dzamara, avo vakapambwa musi wa9 Kurume 2015

Vari kutungamira minamato yekunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti vave kuronga kusangana negurukota rezvemitemo uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti vavakumbire kuti hurumende ibatsire mukutsvagwa kwaVaDzamara.

VaDzamara, avo vakapambwa nevarume vanofungidzirwa kuti vasori musi wa9 Kurume gore rapera muHarare, vari kusvitsa mwedzi gumi nemumwechete musi weChipiri pasina ruzivo rwekwavari.

“Taona kuti hurumende haina zvikuru zvairi kuita mukutibatsira, saka taronga kuti VaMnangagwa vatibatsirewo kusvitsa shoko iri kuhurumende,” Bishop Magaya vanodaro.

Vanoti tsamba yekuenda nayo kunaVaMnangagwa yatovepo, uye ivo ndivo vachatungamira chikwata chichasanganisira vafundisi nevamiriri vemhuri yekwaDzamara.

Vanoti sangano reZimbabwe Devine Destiny rakabatana nemhuri yekwaDzamara rarongawo semwedzi yose, kuita munamato wekunamatira VaDzamara muAfrica Unity Square Chipiri masikati, inove nzvimbo yaishandirwa naVaDzamara.

VaDzamara vairatidzira vachikurudzira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vasiye basa vachiti vainge vakundikana kutonga.

Bishop Magaya, avo vanotungamira zvakare Grace Ablaze Ministries International pamwe neItai Dzamara Trust, vanoti vasangana sebhodhi reZimbabwe Devine Destiny vakasunga kuti vakurudzire vana veZimbabwe kuti vabude vabatane navo mukuedza kwavo kunyaradza marwadzo akakonzerwa nekutsakatika kwaVaDzamara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya

Masangano akawanda munyika uye hurumende yeAmerica nemubatanidzwa wenyika dzemuEuropean vari kukurudzirawo hurumende kuti itsvake kuti VaDzamara varipi.

Hurumende inoti iri kuita izvi kunyangwe hazvo magweta aVaDzamara ari kuti hapana chinobatika chiri kuitwa nemapurisa.