Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakaungana pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C. zvichitsigira zviitiko zviri kuitika kumusha, zvichitevera kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika, uye kumanikidzwa kwaVaMugabe nebato ravo reZanu PF, kuti vasiye chigaro.
Zviitiko izvi zviri kutsigirwawo neveruzhinji munyika pamwe nekunze kwenyika, uko kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu.
Mumwe wevakaronga kufora uku, Muzvare Shingi Mangwiro, vanoti vakashamiswa nekubuda kwakaita zvizvarwa zveZimbabwe, kunyange hazvo kunze kwaitonhora zvekukwidza hamba mumuti.
Vanoti vanhu vakabva kumatunhu akasiyanasiyana, anosanganisira Pennsylvania, New Jersey, New York, Virginia, West Virginia neMaryland.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvare Shingi Mangwiro