ZEC Yokoka Mapato Ane Humiriri Muparamende kuMusangano

  • Jonga Kandemiiri

Honq Konqda polis Honq Konqun Britaniya tərəfindən Çinə təhvil verilməsinin ildönümündə milli təhlükəsizlik qanununa qarşı yürüş keçirən bir nəfəri həbs edir.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakoka mapato matatu ane humiriri mudare reparamende anoti Zanu PF, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kumusangano wekuzivisana pasvika hurongwa hwegadziriro yesarudzo dza 2018.

Musangano uyu uchaitwa nemusi weChina muHarare.

Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ZEC yakoka vanyori vakuru vemapato matatu aya kuti vazeye nyaya dzinosanganisira dzekuti achatenga michina ichashandiswa pakuchengetwa kwemashoko evanhu vachanyoresa kuvhota ndiani, kudzidziswa kwevanhu maererano nekuvhota uye kwekuvhotera.

VaMwonzora vanoti nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota musarudzo dzegore rinouya ndeimwe yavachakurukura pamusangano uyu.

Musangano uyu uri kuitwa panguva iyo masangano akazvimirira pamwe nemapato ezvematongerwo enyika anopikisa ari kurwisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika mazvigere.

Masangano aya pamwe nemapato ezvematongerwo enyika ari kukurudzirawo vana veZimbabwe ava kuti kana varambidzwa kuvhota vari munyika dzavari vadzokere kumusha kunonyoresa kuvhota, uye vagozodzokerazve kunovhota, kunyange hazvo izvi zvichida mari yakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora