Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica VaMada Voshuvira Kunaka kweZvinhu Kumusha neKukasika

  • Jonga Kandemiiri

VaNicholas Murozvi Mada

Muchikamu chedu chatinoita hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, taita rombo rakanaka rekubatana naVaNicholas Murozvi Mada, avo vari muguta rePhiladelphia, mudunhu rePennyslvania muAmerica.

VaMada, avo vave nemakore akati kuti vari muAmerica, mumwe wevanhu vakaumba humiriri hwebato reMDC mudunhu reAmerica, vakave munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko, uye vakambobatawo chigaro chasachigaro webato iri muPhiladelphia.

Vakadzidzira mabasa akasiyanasiyana uye kushandawo kumakambani akasiyanasiyana muAmerica vasati vasiya vachinotangawo kambani yavo yeMada Projects Inc, iyo inobata mabasa akawanda ane chekuita nezvivakwa.

VaMada vanoti nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kumusha, ivo, sevamwe vana veZimbabwe vakawanda vari kunze kwenyika, vari kuita zvakawanda zvavanikwanisa zvinosanganisira kuratidzira izvo vanoti zvichamanikidza hurumende yaVaMugabe kubva pachigaro.

VaMada, avo vanobva kuZaka mudunhu reMasvingo, vanoti vane zvirongwawo zvekubatsira zvikoro zvekumusha zvavari kuita vakabatana nevamwe vana veZimbabwe vari mumatunhu akasiyanasiyana muAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNicholas Murozvi Mada