Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvokurudzirwa kuGadzirisa Mapepa eKugara Munyika iyi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma

Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinoti riri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara pamwe nekushanda muSouth Africa zvine magwaro eZimbabwe Special Permit, kuti zvigadzirise hugaro hwazvo Zvita 2017 asati apera.

Sangano iri rinoti ratora danho iri sezvo hurumende yeSouthAfrica yakavayeuchidza zvakare kuti haisi kuzowedzera nguva pamagwaro aya kana apera kushanda panopera gore rinouya.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, Muzvare Diana Zimbudzana vanoti vakaita musangano mwedzi wapera negurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMelusi Gigaba, avo vakavazivisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichida kuramba zviri munyika iyi zvichishanda kana kudzidza zvinofanirwa kutsvaga dzimwe nzira dzekuti zvirambe zviri munyika iyi zviri pamutemo.

Muzvare Zimbudzana vanoti VaGigaba havana kutsenga mukanwa panyaya iyi sezvo vakaburitsa pachena kuti vanenge vasina kugadzirisa magwaro avo vanozotorerwa matanho pachiteverwa mutemo wenyika wezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika iyi.

South Africa yakapa zvizvarwa zveZimbabwe mukana wekugara pamwe nekushanda munyika iyi pasi pechirongwa cheZimbabwe Special Permit mugore ra2010 senzira yekurerutsira ruzhinji rwevanhu vari kutizira munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Diana Zimbudzana