MDC T: Hurumende Ngairemekedze Bumbiro reMitemo Inobata Kutongwa kweMatunhu

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC T rinoti rinokatyamadzwa zvikuru nekusaratidza hany’a kwarinoti kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF mukuona kuti bumbiro remitemo yenyika raremekedzwa kuburikidza nekupa masimba kumatunhu.

Bato reMDC T rinoti rinokatyamadzwa zvikuru nekusaratidza hany’a kwarinoti kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF mukuona kuti bumbiro remitemo yenyika raremekedzwa kuburikidza nekupa masimba kumatunhu.

Mugwaro raburitswa nebato iri, mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti vari kukurudzira hurumende kuti iremekedze bumbiro remitemo yenyika munyaya dzekutongwa kwematunhu sezvinodiwa nezvikamu 264 ne 265 zvebumbiro idzva remitemo yenyika.

“Zvikamu izvozvi zvinotaura nezvekuti pave nekuzvitonga kwemaguta nematunhu, uye masimba aya anofanirwa kuiswa kumakanzuru ematunhu nemaguta,” VaGutu vanodaro.

VaGutu vanotiwo nyika yave nemakore matatu yave nebumbiro idzva asi hurumende iri kutonga iri kukweva makumbo mukutevera bumbiro iri.

“Nanhasi hatisati tave nema provincial councils uye Urban Councils Act haisati yashandurwa kana kuvandudzwa.”

VaGutu vanoti vari mushishi kuronga kuti nhengo dzavo dziri muparamende dzisimudze nyaya iyi nechimbichimbi kuitira kuti hurumende isaramba yakarara nezamu mumukanwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu