Bato reMDC T Ropembedza Mauto Nekutaura Chokwadi paNyaya yeHuwori

Mumwe mukuru wemauto, Major General Douglas Nyikayaramba vanoti huwori huri kutadzisa nyika kusimukira

Bato reMDC T rinoti rinotambira nemufaro mashoko akataurwa neMuvhuro nemumwe mukuru mukuru muchiuto, Major General Douglas Nyikayaramba, ekuti huwori huri kuitwa nevamwe vakuru muhurumende huri kusveta ropa reupfumi hwenyika, izvo zviri kuita kuti hutadze kusimukira.

Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika mubato reMDC T, VaGiles Mutsekwa, avo vakambovewo gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika munguva yehurumende yemubatanidzwa, vanoti chikuru chinonyanyovafadza ndechekuti mashoko aya ari kubva kuvakuru vemauto, avo vaisimboonekwa vasingataure pamusoro pezviri kutiika munyika.

"Chiri kunyanya kutifadza ngechekuti isisu taiziva kuti mumauto mune nyanzvi, nyanzvi dzine muonero wakafanana neruzhinji rwevanhu muZimbabwe. Asi taiziva kuti nyanzvi idzi dzakadzvinyirirwa nepamusana pekuti hadzisi kubvumidzwa kutaura nekuziva kwavo nebato reZanu PF."

VaMutsekwa vanoti kubuda pachena kwaitwa naMajor General Nyikayaramba kunoratidza kuti mauto ave kutaura akarerekera kuvanhu vazhinji vemuZimbabwe.

Vachipa humbowo pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwenyika neMuvhuro muHarare, Major General Nyikayaramba vakati huwori hwaita sechirwere chegomarara, sezvo huri kudzorera nyika kumashure, izvo zviri kuzopa kuti zvikanganise kugadzikana kwenyika.

Vakaudza komiti iyi kuti veruzhinji vanenge vachitarisira kuti vari muhurumende vachatora matanho ekumisa zvinhu zvakadai, asi kana vakaona pasina chiri kuitwa kune vanenge vachinongedzwa, vanogona kuzopedzisira vave kuisa mutemo mumaoko avo, votadza kutongeka.

Mashoko aMajor General Nyikayaramba aya anouya panguva iyo vamwe vakuru muhurumende kusanganisira gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo nevamwe vari kupomerwa mhosva dzehuwori asi pasina matanho avari kutorerwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGiles Mutsekwa