Nhengo dzedare reparamende dzinoti dzinofara kuti dzakabudirira mukurwisa kwadzo kuti makore emwanasikana anonzi abvume kuita zvepabonde akwidzwe kubva pagumi nemaviri kuenda pamakore gumi nematanhatu.
Mukokeri wenhengo dzeMDC T muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti mutemo uripo pari zvino unoti kana mwana ane makore ari pakati pemakore gumi nemaviri negumi nematanhatu akaita zvepabonde, pakave nehumbowo hwekuti akabvuma, haana kubatwa chibharo, nokudaro hapana mhosva inenge yaparwa.
Vanoti ivo vaitoda kuti makore aya akwidzwe kusvika pamakore gumi nemasere, ayo anobvumidzwa munhu kutanga imba.
Asi vanoti vamwe, vachitsigirwa nevanotungamira mabasa eparamende uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaramba.
VaGonese vanotiwo kutambirwa kwakaitwa nyaya iyi mudare reparamende zvave kureva kuti nyaya iyi yave kuendeswa kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo yozodzoka zvakare mudare iri isati yaenda kudare reseneti.
“Kana ikapasa mu seneti zvinenge zvoreva kuti president vanenge vokwanisa kusaina kuti mutemo weCriminal Law Codification, Section 65 uvandudzwe kuti ufambidzane ne Section 70,” vanodaro VaGonese.
Izvi zvave kureva kuti nyaya iyi ichaendeswa kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo isati yanzwikwa zvakare mudare reparamende.
Pari zvino mutemo wenyika unoti munhu anotanga kuita zvepabonde kana achizvida ave nemakore gumi nematanhatu asi mumatare umu munonzi vatongi vari kutarisawo zvakare zvinorehwa nechikamu chebumbiro remitemo che Criminal Law Codification.
Mutemo unotiwo munhu anogona kutanga imba yake ave nemakore gumi nemasere.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaInnocent Gonese