Zimbabwe Yotanga Hurongwa hweKudzoka muMubatanidzwa weCommonwealth

Zimbabwe yakabuda mumubatanidzwa weCommonwealth muna 2003.

Zimbabwe iri mubishi rekugadzirira kudzokera mumubatanidzwa weCommonwealth, umo yakabuda mugore ra 2003.

Hurumende yeBritain yakatuma nhume inokosha, Amai Harriet Baldwin, kuZimbawe svondo rapera kunoita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, uye chimwe chezvinhu zvakakurukurwa zvinonzi inyaya yekuti Zimbabwe idzokere mugungano reCommonwealth.

Bepanhau reSunday Mail rinoti Zimbabwe yakatozivisa Britain zviri pamutemo kuti inoda kudzokera mugungano iri gore rino.

Dzimwe nyanzvi mune zvamatongerwo enyika dzinoti chinhu chakanaka chose kuti Zimbabwe itange zvakare kudyidzana nedzimwe nyika kuitira kuti ibatsirike munyaya dzezvedzidzo uye kukwezva makambani anozotanga mabhizimusi munyika.

Zimbabwe inofanirwa kutanga yanyora tsamba kumahofisi eCommonwealth ichitaura kuti inoda kudzoka mugungano reCommonwealth, uye nyika dzese dziri musangano iri dzozovhota kuti yotambirwa here kana kuti kwete.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kuzadzisa zvose zvavari kutaura pari zvino kuitira kuti masangano akaita se commonwealth ave nevimbo navo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa