Imwe Nyanzvi Inoti Gwaro reKuzvibata reMapato Harishande Kana Vemutemo Vakasaita Basa Ravo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti gwaro rekuzvibata kana kuti Code of Conduct rinonzi rakanyorwa nemapato ane humiriri mudare reparamende anoti Zanu PF, MDC-T neMDC kuti rishandiswe musarudzo dzegore rinouya harina zvarinobatsira kana vanochengetedza mutemo vakasaita basa ravo nemazvo.

Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanove mukuru wesangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, vanoti chakakosha ndechekuti mapurisa, mauto pamwe nevasori varemekedze bumbiro remitemo, kwete kutarisa kuti munhu abuda mumba maani.

Vamiriri vemapato matatu aya, ayo ane humiriri mudare reparamende, anonzi akapedza kunyora gwaro richaatungamira musarudzo gore rinouya iro anoti richabatsira mukumisa mhirizhonga yezvematongerwo enyika, pamwe nemashoko eruvengo.

Zvinonzi gwaro iri ramirira kutambirwa nemapato matatu aya, mushure rozoendeswa kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Sarudzo dzapfuura dzanga dzichikanganiswa nemhirizhonga iyo yaipomerwa vemapato ezvematongerwo enyika, zvikuru bato riri kutonga reZanu PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya