CODE Inozeya Mamiriro Akaita Zvinhu Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Vachamirira CODE musarudzo dzemutungamiri wenyika, VaElton Mangoma

Vatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats, kana kuti CODE, vasangana muHarare kuti vazeye mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.

Mapato aya anosangana mushure mekushanduka kwehutungamiri zvikuru muhurumende zvichitevera kubviswa nemauto kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vachitsiviwa nevaimbove mutevedzeri vavo vavakazodzinga, VaEmmerson Mnangagwa.

Vachamirira mubatanidzwa uyu musarudzo dzemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Steers Mangoma, vanoti musangano wavo uyu wabudawo nezvavanotarisira seCODE kuti zviitwe kana kuzaziswa nehurumende pamwe nemamwe mapoka akaita seZimbabwe Electora Commission, ZEC.

Vanoti pachitariswa huwandu hwevanhu vanonzi vakakwanisa kunyoresa kuvhota kusvika pari zvino, vanoona sekunge ZEC iri kukundikana kusvika pahuwandu hwayakanga yakananga hwemamiriyoni manomwe.

VaMangoma vanoti kana ZEC yakakundikana kubuda negwaro revavhoti rinotambirwa nevanhu vose, vanhu vanofanirwa kungovhota vachishandisa zvitupa zvavo, sezvakaitika muna 1980.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kuvandudza mitemo yakaita sePOSA neAIPPA, pamwe nekuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo.

VaMangoma vanoti semubatanidzwa uri kutarisirwa kuvhoterwa musarudzo dzegore rino, vasungawo kuti vaone kuti vamira pachokwadi mukuunzira vanhu sanduko chaiyo chaiyo, sezo shanduko iri kuvimbiswa nehurumende yaVaMnangagwa vasingaoni ichibudirira.

Mubatanidzwa weCODE une mapato matanhatu anosanganisira ZAPU, Mavambo/Dawn/Khusile, Renewal Democrats of Zimbabwe, neProgressive Democrats of Zimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaElton Mangoma