Hurumende Inokundikana Kutara Mazuva eKutambirisa Vashandi Vayo Mihoro yaChikunguru

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vachiratidzira

Hurumende inonzi haina kupa vashandi vayo mazuva avachawana mihoro yavo yemwedzi waChikunguru sezvanga zvakatarisirwa kumusangano waitwa pakati pesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council nevamiriri vehurumende.

Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander vanoti nyaya yemihoro yaChikunguru ndeimwe yenyaya dzanga dziri pahurongwa hwenhaurwa yemusangano uyu, asi hurumende yazovavimbisa kuti ichadzoka kwavari neChishanu ichizovapa mhinduro.

Vanoti dzimwe nyaya dzanga dzakurukurwa dzinosanganisira yevamwe vashandi vehurumende vasati vawana mihoro yavo, kunyange hazvo varairidzi pamwe navanachiremba vakatambira mari dzavo dzaChikumi.

“Sezvamunoziva, hurumende yakakwanisa kubhadhara varairidzi nevari mubazi rezvehutano, asi kune vamwe vashandi vehurumende pamwe nevari pamudyandigere vasati vapiwa pari dzavo.

“Saka semasangano evashandi, tati dai maswededza mazuva ekuti vatambire kumangwana (Chipiri) kana kuswera mangwana (Chitatu) pane kuti vamirire musi wa14,” Mai Alexander vanodaro.

Asi vanoti hurumende haina kuda kusvisungirira zvakare panyaya iyi.

Vanotiwo imwe nyaya yakurukurwa ndeyekutyisidzirwa kunonzi kuri kuitwa vashandi vehurumende vakapinda mukuramwa mabasa, zvikuru sei varairidzi, avo vanonzi vari kunyorwa mazita pasi kana vakarovha mabasa mazuva ekuramwa mabasa.

“Ndiyo nyaya yatatonyanya kubatabata nekuti isusu sevamiriri vevashandi tanga tati kana gavhumende yakatora position yekuti vanhu ivava vanofanirwa kuti vapanichwe isu hatichaenderera mberi nema negotiation,” vanodaro Amai Alexander.

Asi vanoti hurumende yabva yangovaudza kuti aiwa, hurongwa ihwohwo hwekutevera vanhu ichi panicha haina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander