Apex Council Yoronga Musangano weChimbichimbi neChishanu weKuzeya Pfungwa dzeVashandi paNyaya yeMihoro Yavo

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vachiratidzira

Sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, reApex Council, rinoti raronga musangano neChishanu wechimbichimbi nemasangano ose anomirira vashandi vehurumende.

Sachigaro weApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti musangano uyu ndewekuti vanzwe pamwe nekuzeya pfungwa dzevashandi pamusoro pedanho rehurumende rekuti ifanovapa zana remadhora panguva iyo vanenge vakamirira mihoro yavo.

Amai Alexander vanoti musangano wemangwana uyu uri kuuya panguva iyo hurumende iri kunzi yakatotanga kare kuisa mari idzi mumabhanga evashandi vehurumende, kunyange hazvo yanga isati yanzwa zvinobva kuvashandi.

Masangano akawanda evashandi vehurumende akatozivisa kare kuti nhengo dzawo hadzisi kutambira hurongwa hwekuti dzifanopiwa zana remadhora uhwu, achiti mari idzi dziri kubva dzangodyiwa nezvikwereti zviri kumabhanga pamwe nemimwe mitero inotorwa nevemabhanga.

Hurumende yakazivisa kuti haisi kukwanisa kubhadhara vashandi vayo mari dzavo panguva yakatarwa, ichiti varairidzi nevamwe vashandi vayo vose vaizowaniswa mihoro yavo munaChikunguru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander