Hurumende Yoronga Kupa Vashandi Vayo Nzvimbo dzeKuvakira Dzimba

  • Jonga Kandemiiri

Gurukuro rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere

Vashandi vehurumende vari kutarisirwa kusangana negurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere pamwe nevamwe vakuru vehurumende neChipiri kuti vapedzise kuzeya nezvenyaya yekuti hurumende ingapa here vashandi vayo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Mutauriri wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, VaGeorge Mushipe, vanoti sevashandi vehurumende vakaona zvakakosha kuti vawaniswewo nzvimbo dzekuvakira dzimba, sezvo pasina chiri kufamba kubva kumakanzuru.

VaMushipe vanoti vanotarisira kuti hurumende ichakoshesa zvichemo zvavo ikakasikawo kuzvigadzirisa.

"Pane nyaya yedzimba, masitendi about 100 000 or so ataka promiswa nehurumende kuti tichapa vashandi vehurumende, chinove chinhu chatakagashira nemaoko matatu chaiwo," VaMushipe vanodaro.

Vanoti kana musangano wavo uyu wakafamba zvakanaka vanotarisira kubva vangonyorerana pasi zvibvumirano nehurumende pamwe neboka rehurumende rinoona nezvekugoverwa kwedzimba reUrban Development Corporation kana kuti Udcorp.

Panyaya yemari yekutendwa, kana kuti mabhonasi, VaMushipe vanoti vashandi vave nechivimbo chekuti vachawaniswa mari iyi sezvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavavavimbisa kuti vachaiwana.

Vanoti chasara chete ndechekuti vapihwe mazuva achawanikwa mari idzi pamwe nekuti vachadzipiwa sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGeorge Mushipe