Vamwe vakuru vakuru vemachechi nemasangano akazvimirira ega vati vanhu munyika havachina vimbo nehurumende vachitiwo matambudziko ari munyika, ayo ari kuita kuti veruzhinji varambe vachidya nhoko dzezvironda, ave kuda kuti vanhu vaise musoro pamwe chete kuti zvinhu zvigadzirike.
Izvi zvakabuda pagungano rekunamatira nyika rakaitwa pane imwe chechi muBulawayo nemusi weSvondo.
Gungano iri rakasanganisa veruzhinji nevatungamiri vemachechi pamwe nevemasangano akazvimirira ega.
Vachitaura neStudio 7, Reverend Ray Motsi, mukuru mukuru wesangano reChristian Alliance of Zimbabwe rakaronga gungano iri, vakati mamiriro ezvhinhu munyika anoratidza kuti vezvematongerwo enyika vari kukundikana kutungamira nyika sezvinotarisirwa, vachiti zvakakosha kuti vemachechi vawanikwe vachipindira panguva yakadai.
Pagungano iri vamwe vagari vemuBulawayo vakapa huchapupu hwekushungurudzwa kwavakaitwa nemapurisa, mumhirizhonga yakaitika munguva pfupi yapfuura.
Reverend Motsi vakashora mapurisa nekuda kwekushungurudza vanhu uku vakati mapurisa anofanirwa kukoshesa kuchengetedza kodzero dzevanhu kwete kuvashungurudza.
Vakatiwo vemachechi havafanirwe kutya kutaura chokwadi vachishoropodza hurumende pane zvairi kutadza, vakatiwo hapana chakaipa pakuti vemachechi vanamatire kuti munyika muve nehutungamiri hutsva.
Pagungano iri vatungamiri vemachechi pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira vari pasi pemasangano akasiyana siyana, kusanganisira Ecumenical Fellowship of Zimbabwe, Union for the Development of Apostolic Churches in Zimbabwe, kana kuti UDACIZA, pamwe neHabakuk Trust, vakaburitsa gwaro rino ratidza kuti vemasangano aya havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Vachipa muenzaniso wenyaya yekuda kuunza mari yemabond notes munyika kuri kuda kuitwa nehurumende, zvisinei kuti veruzhinji vari kushora danho iri, uye kurambidza kwakaita hurumende kupinzwa munyika kwezvekudya zvinobva kunze kwenyika, vemasangano aya vakati veruzhinji havachina ruvimbo nehurumende, sezvo ichiisa mimwe mitemo isingakoshesi kuti vanhu vanofungei.
Vakakurudzira hurumende kuti ibvume kuita muonera pamwe nevamwe nekukasika, kana kuti National Dialogue muchirungu, senzira yekuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Munyori mukuru webato rePeople’s Democratic Party vaGorden Moyo, avo vaivepowo pagungano iri, vakabvuma kuti matambudziko ari munyika haachada kusiirwa kune vezvematongerwe enyika vega, vakarumbidza danho remachechi iri rekutaura nezvi rimwe chete pakuedza kugadzirisa zvinhu.
Mumiriri weBulawayo Metropolitan muparamende Amai Jasmine Toffa, veMDC inotungamirwa naProfessor Welshman Ncube, avo vaivewo pagungano iri, vakatsinhira maonero aya vachiti, veruzhinji vave kutarisira kuna Mwari kuti vabude mumatabudziko avari.
Pave nenguva vemachechi vachishorwa neveruzhinji nekuda kwekusabuda pachena vachitaura pamusoro pematambudziko ari munyika. Kune rimwe diviwo, hurumende inositsoropodza vamwe vemachechi ichivati vanopindira mune zvematongerwo enyika.
Asi Reverend Motsi vakatsinhira kuti vechechi havanganyarare nyika ichiramba ichienda kumawere, vachitiwo vanotarisira kuti gungano remusi weSvondo, kutanga kwekushandira pamwe uye kutaura nezwi rimwe chete kucharamba kuchiitwa nevakuru-vakuru vemachechi akasiyana-siyana.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Taurai Shava