VeMakereke Vanorambidzwa Kuona Vasungwa kuJeri reChikurubi

  • Jonga Kandemiiri

Bishop Ancelimo Magaya

Vatungamiri vapfumbamwe vemakereke emuHarare vachitungamirwa naBishop Ancelimo Magaya veZimbabwe Devine Destiny nemusi weChishanu vakarambidzwa kuona vasungwa kujeri reChikurubi Maximum vachinzi havana mvumo inobva kuvakuru.

Vemakereke ava vanga vaenda kuChikurubi Maximum Prison mushure mekushanyira chipatara cheAvenues Clinic uko vakaona pamwe nekunamatira vakakuvara mukuratidzira kwakaitika muHarare masvondo apfuura.

Bishop Magaya vanoti kuchipatara cheAvenues Clinic vakakwanisa kuona varwere vakawanda vanosanganisira VaSilvanos Mudzvova, avo vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori vakaitwa kafira mberi.

Asi vanoti kuChikurubi ndiko kwavakasangana nedambudziko sezvo vashandi veZimbabwe Prisons and Correctional Services varamba kuti vaone vasungwa vasina kupiwa mvumo nevakuru vezvemajeri muHarare.

Bishop Magaya vanoti mushure menguva yakati kuti yekuedza kuonesana, ivo chete pamwe nemubatsiri wavo, ndivo vakazobvumidzwa kupinda kunoona musungwa mumwe chete, Muzvare Linda Masarira.

Asi vanoti vakakomekedzwa nevashandi vepajeri apa kuti vasanamatira Muzvare Masarira uye kutaura zvakawanda naye, asi vanoti vakangoenderera mberi nekumunamatira kunyange hazvo vanga vatyisidzirwa.

Vanoti vakakatyamadzwa zvikuru nedanho rehurumende iri rekunzi vatange vapiwa mvumo yekuti vashanyire vasungwa.

Asi vanoti svondo rinouya vachatevera hurongwa ihwohwo hwekuti vapiwe tsamba yekuti vakwanise kuona vasungwa ava, sezvo riri basa ravo semufundisi rekunamatira chero munhu, kana vari kumajeri.

Chikwata chevafundisi ichi hachisi icho chega chakanyimwa mvumo yekuona vasungwa ava.

Masvondo maviri adarika mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai nehutungamiri hwebato ravo vakarambidzwawo kuona vasungwa vari pajeri iri vachinzi vakanga vasina mvumo inobva kumukuru wemajeri.

Vemapato anopikisa pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti zviri kuitwa nehurumende izvi kutyora kodzero dzevanhu kwakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya