Masangano emakereke akabatana achishanda neZimbabwe Devine Destiny asvitsa gwaro renyunyuto kumahofisi emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iro riri kuvakurudzira kuti vatambire kuti vakundikana kutonga nyika.
Vari kutungamira hurongwa uhwu, Bishop Ancelimo Magaya, vanotungamira zvakare Zimbabwe Devine Destiny, vanoti gwaro ravo ravasiya kumahofisi aVaMugabe iri rine zvinyunyuto zvikuru zvitatu zvinosanganisira kurudziro yekuti VaMugabe vabvumidze nhaurirano dzemapoka ose emunyika.
“Chekutanga tiri kuzivisa VaMugabe kumira kweupfumi hweZimbabwe hwawondomoka kudai chikonzero chama policies asina kunyatsoita zvakanaka.
“Chepiri, tavayeuchidza nhoroondo yakaitika muZimbabwe yekupondwa kwevanhu vakawanda chaizvo, zvakaitika kuMatabeleland varivo zvakare vanga vari pachigaro,” Bishop Magaya vanodaro.
Vanoti ivo sevemakereke, vari kuti kunaVaMugabe “tinokukudzai chaizvo VaMugabe kuti mubvumirane nevanhu vemuZimbabwe kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, motendeukawo pamberi paMwari kuti Mwari vakuregerereyi.”
Bishop Magaya vanotyi neChishanu chesvondo rino boka ravo riri kutsvawo gwaro renyunyuto iri kudare reparamende vachikurudzira kuti vadare vabvise VaMugabe pachigaro kana kuti impeachment, sezvo vatadza kutonga.
Vanoti vanoziva zvavo kuti pane dambudziko pakuti dare iri ritambire kurudziro yavo sezvo rakazara nenhengo dzeZanu PF, asi vanoti zvakakosha zvikuru kuti vatore danho iri sezvo zvichibvumirwa nebumbiro remitemo.
Mamwe masangano ari muhuruongwa uhwu anosanganisira reChristian Voice, Prayer Network, neZimbabwe Pastors Forum.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya