MDC-T Inoti VaKasukuwere Vakatyora Mutemo Apo Vakambomisa Makanzuru eChitungwiza

  • Jonga Kandemiiri

Cherry Blossom

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti zvakaitwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, zvekumbomisa makanzura eChitungwiza basa, zviri kunze kwemutemo.

Mutauriri webato rinopikisa iri, VaObert Gutu, vanoti VaKasukuwere vakamhanyira kumedza kutsenga vachada, vasina kutanga vapa makanzura aya mikana yekuti vazvichenure kana kuzvisunga nenyaya sezvinodiwa nemitemo inobata makanzuru.

Bato iri rinoti chikonzero chaicho chakaita kuti VaKasukuwere vamise makanzura aya basa hachisi chekuti pane humbowo hwuzere hwekuti vakaita zvehuwori, asi kuti vari kuda kunyaradza vanhu vari mukanzuru iyi avo vavanofunga kuti vari kune rimwe divi muhondo dzavakatarisana nadzo mubato ravo reZanu PF.

VaKasukuwere neChina vakamisa basa makanzura ose eChitungwiza, kusanganisira nameya, VaPhilip Mutoti, vakaisa komisheni ine vanhu vatatu ichitungamirwa naVaMadzudzo Pawadyira, kuti imbofambisa basa.

VaMutoti vakatenda kuti vakanga vamiswa basa vachipomerwa mhosva yekusafambisa zvakanaka mari dzekanzuru, vachiti vakapiwa svondo rimwe chete rekupa divi ravo pamhosva yavari kupomerwa iyi.

VaMutoti vanoti kanzuru yavo yakashandisa mari yekubhadhara vashandi vayo avo vakanga vava nemwedzi yakawanda vasingatambiriswe.

Vanoti vakatora danho rekuzivisa VaKasukuwere vakashandisa mari iyi mushure mekunge vaudzwa kuti VaKasukuwere vainge vazvibvumidza.

Asi vanoti vakazishamiswa vonzwa kuti VaKasukuwere vainge vasina kusumwa sezvinodiwa nemitemo yemakanzuru.

Studio 7 yakundikana kubata VaKasukuwere kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu