Madzishe Otsigira VaMugabe Musarudzo Gore Rinouya

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira vanoti madzishe ari kutevera chisungo chaakaita muna 2014.

Madzishe emunyika mukupera kwesvondo akabuda nechisungo chekuti achatsigira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

Mutungamiri wesangano remadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vakazivisa neMugovera kumusangano wemadzishe wepagore weNational Annual Conference, kuti madzishe akawirirana muna 2014 kuti VaMugabe ndiye munhu avachatsigira musarudzo dza 2018.

"Madzimabo anenge achiti pahumambo hwedu, kana mutungamiri anenge aripo omunyika, adiwa navanhu, kana munhu adiwa isu madzimambo tinotsigira munhu iyeyo," vanodaro Ishe Charumbira.

Vanoti hurumende yaVaMugabe yakaita zvirongwa zvebudiriro zvakawanda , uyewo mutungamiri wenyika ano remekedza pamwe nekukoshesa madzishe.

Panyaya yekuti bumbiro remitemo rinoti madzishe haafanirwi kuita zvematongerwo enyika, Ishe Charumbira vanoti vanhu vanodaro ivavo havana ruzivo rwakakwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naIshe Fortune Charumbira

Asi mutauriri webato rinopikisa rePeople's Democratic Party, VaJacob Mafume, vanoti madzishe ari kutyora bumbiro remitemo nekutsigira VaMgabe, pachinzvimbo chekuti vatokurudzira kuti munyika muve nemapato akawanda ezvematongerwo enyika.

VaMafume vanoti hapana chakashata kuti Ishe Charumbira vatsigire VaMugabe, asi kwete kuti vabude vachiti madzishe ose anotsigira mutungamiri wenyika.

"Pakutanga madzishe haana kana kumboti vanoda VaMugabe. Charumbira ndiye ati anoda VaMugabe. Saka iye ega kana ane zvaari kupuwa ngaasati madzishe ose ataura kuti anoda VaMugabe," VaMafume vanodaro.

Vanoti bato ravo rinotaura nemadzishe siku nesikati, naivowo madzishe ari kunetseka nekushushikana nekutambura kuri kuita rizhinji rweZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume