Zvinonzi muzvikoro mazoswera mave nekugadzikana kushoma zvichitevera kuwaniswa kwevarairidzi magwaro anoratidza kuti mari dzemabhonasi dzavanga vachichemera dzakaiswa mumabhanga avo.
Masangano anomirira varairidzi ataura neStudio7 atenda kuti nhengo dzawo zhinji dzawana ma pay-slip, uye vamwe vavo vatokwanisa kuona kuti mari dzavo dzave kumabhanga avo.
Asi masangano aya anoti kunyangwe hazvo vazhinji vaona kuti mari dzave kumabhanga, vari kukundikana kudzitora nekuda kwekushaikwa kwemari kumabhanga akawanda emunyika.
Masangano anoti reRural Teachers’ Union of Zimbabwe neProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe akanga atozivisa kare kuti nhengo dzawo dzakanga dzichizoramwa mabasa kutanga neChipiri paivhurwa zvikoro kana dzichinge dzisina kuwana mari dzemabhonasi idzi.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reRural Teachers Union of Zimbabwe, VaBrighton Makunike, vanoti dambudziko guru ratarisana nevarairidzi nderekuti kumabhanga hakuna mari.
“Varairidzi nanhasi vari kutotadza kutora mari dzavo dzavakatambira musi wa 26 April, saka hapana kana any joy pakutambira bonus,” VaMakunike vanodaro.
Hurumende yakakundikana kupa vashandi vayo mabhonasi avo gore rapera sezvo iri kunetseka kuwana mari.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaBrighton Makunike