Vakwikwidzi kuChirumhanzu-Zibagwe Votyisidzirwa neZanu PF?

  • Jonga Kandemiiri

Bato reNCA riri kupindawo musarudzo idzi kekutanga kubva raumbwa

Vari kukwikwidza musarudzo ye by-election kuChirumhanzu-Zibagwe vakamirira bato reNational Constitutional Assembly, NCA, VaMunashe Mutodza, vanoti nhengo dzavo dziri kutyisidzirwa nenhengo dzeZanu PF apo dzinenge dzichitsvaga rutsigiro.

VaMutodza vanotiwo kunyange hazvo vakakwanisa kuwana gwaro revavhoti mazuva maviri apfuura, vanoona vaine nguva duku kwazvo yekuti variongorore vachizotora matanho kana vaine zvekupokana nazvo.

Sarudzo yekutsvaga vachatora chigaro chakasiiwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, dziri kutarisirwa kuitwa nemusi weChishanu 27 Kurume 2015.

Vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi mudzimai waVaMnangagwa, Amai Auxilia Mnangagwa, Amai Abigail Rumbidzai Musambasi veTransform Zimbabwe, VaGadzamoyo Dhewa vebato reGood People’s Movement Party pamwe naVaWillbroad Kanoti vari kukwikwidza vakazvimirira.

Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Mnangagwa nevamwe vavachakwikwidzana navo kuti tinzwewo divi ravo.

Mapato eMDC ose akaramba kupinda musarudzo idzi achiti anoda kutanga aona shanduko mune nyaya dzakawanda dzinosanganisira gwaro revavhoti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunashe Mutodza