Doctor Manyika veBuild Zimbabwe Vokurudzira Kuti Vanhu Vasakanganwa Kwavakabva

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reBuild Zimbabwe riri kushanda kusimudzira Zimbabwe

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Noah Manyika vanogara kuCharlotte, kuNorth Carolina muAmerica vari kuita zvakawanda kukurudzira vana veZimbabwe, vangave kumusha kana kunze kwenyika, kuti vavake nyika yechipikirwa.

Doctor Manyika vanoshanda nesangano reBuild Zimbabwe, iro vakavamba vaine chinangwa chekuti vabatsire vana nezvipfeko, mabhuku pamwe nevirongwa zvinorodza pfungwa.

Asi vanoti vakazorivhurirawo kune vamwe vana veZimbabwe kuti vaite mubata pamwe semajuru mukuumba nyika.

"Build Zimbabwe chirongwa chandaiita makore gumi nemashanu adarika nechinangwa chekuti Zimbabwe ibudirire kana munhu wese akawana chaanoita mukuvaka nyika. Asi ndakazoti, kwete, kwete, regai ndidaidzed vamwe vana veZimbabwe tivake tiri pamwechete," vanodaro Doctor Manyika.

Vanoti sangano ravo iri rine zvirongwa zvakawanda zvariri kuita mumatunhu akasiyanasiyana enyika, zvinosanganisira kuvaka dzimba dzine mitengo yepasi mumaguta ari munyika senzira yekubatsira vanhu vakawanda kuti vawane pekugara pakakodzera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Noah Manyika