Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti panoda mushandirapamwe munyika kuitira kuti mauto asabvumidzwe kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
Izvi zvinotevera mashoko emumwe mukuru wemauto ekuti vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, havafe vakatonga nyika uye nyaya yekunetsana zvakanyanya muZanu-PF nenyaya yekuti ndiyani achatungamira kana mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vasiya basa.
Nyaya iyi yave kutyirwa nevamwe kuti inogona kuguma yokwezva vechiuto kuti vapindire.
VaBiti vanoti zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo uye hurumende iripo haina kana zano rekuti ingazvinyukure sei mumadhaka mairi.
Kugadzirisawo dambudziko rakatarisana nenyika, VaBiti vanoti Zimbabwe inofanira kuti idzokere kuhutongo hwejekerere kwete zviripo zvekuti vanhu vanongopambwa masikati machena.
VaBiti, avo vaiva munyori mukuru mu MDC-T, vakatungamira vanhu vakawanda kubuda mubato rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vakanoumba chikwata che MDC Renewal Team.
Vari muMDC Renewal Team, VaBiti vakanetsana naVaElton Mangoma, avo vaiva mutevedzeri wemubati wehomwe mubato reMDC-T, pamusoro pekuti ndiyani achatungamira bato ravaida kuumba pamwe chete.
Kunetsana kwevaviri kwakasvika pakupatsanuka kweMDC Renewal Team, VaMangoma vakanoumba bato idzva reRenewal Democrats of Zimbabwe, ukuwo VaBiti vakaumbawo bato ravo.
VaBiti naVaMangoma vava nemapato avanotungamira izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika kunetsana kuri kuitika mumapato anopikisa kuri kukonzerwa nekuti vakawanda vavo vanoda kuita vatungamiri kwete kugara pazvinzvimbo zviri pasi izvo zviri kukonzeresa kunetsana.
Your browser doesn’t support HTML5
Hukuro naVaTendai Biti