Zvinhu Zvogadzikana Muguta reBeitbridge Mushure meMafashanu

  • Jonga Kandemiiri

Mvura zhinji inonzi yakakanganisa dzimba dzakawanda muBeitbridge svondo rapera

Kanzuru yeguta reBeitbridge inoti zvinhu zvagadzikana pari zvino zvichitevera mafashanu akarova guta iri usiku hweChishanu chapfuura akasiya vanhu vanodarika mazana manomwe nemakumi manomwe vaparadzirwa dzimba pamwe nemidziyo yavo.

Munyori wekanzuru yeguta reBeitbridge, VaLoud Ramakgapola, vanoti vakakwanisa kuwana rubatsiro rwechikafu, mvura yakachena pamwe nesipo nezvimwe kubva kuhurumende pamwe nemasangano anopa rubatsiro, ukuwo iyo kanzuru ichipawo zvainokwanisa.

VaRamakgapola vanoti pavanhu vakavhiringidzwa nemafashanu aya, mazana maviri nemakumi masere nevashanu vana vadiki, mazana maviri nemakumi matatu nevaviri vavo vari vana nechikoro.

Vanoti dambudziko iri remafashanu iri rakawedzerwawo nekuvhara kwepombi dzinorasa mvura inenge yanaya zvichikonzerwa nemarara anongorasirwa pose pose.

Dzimwe dzemhuri dzakavirwa nematambudziko idzi dzinonzi dzakadzokera mudzimba dzadzo uye dzave mushishi kukukura tsvina yakaisiiswa nemafashanu aya.

Mvura yakanaka zvakasimba inonzi yakazadzawo rwizi rwunopfuura nemuguta iri, izvo zvakazowedzera kuti mvura irasikire ichipinda mudzimba.

VaRamakgapola vanoti mune dzimwe dzimba mvura yaisvika mumafafitera, uye vanhu vakarasikirwa nemidziyo yakawanda chose.

Vanoti kanzuru yavo iri kuramba ichipawo vagari dzidziso dzekuti vasakanganise kufamba kwemvura inenge yanaya kuitira kuti vasazosangana nedambudziko rakadai zvakare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLoud Ramakgapola