Nekuda kwemabasa avo akanaka ekusimudzira vemabhizimusi, kubatsira vanotambura, kudzidzisa zvehupenyu pamwe nezvemabhizimusi, kutaura zvinosimudzira vamwe nekudzidzisa, Doctor Patson Dzamara vakasarudzwa kuve pakati pevanhu vachakwikwidzana kuve pavanhu makumi maviri nevashanu vachawana mubairo weArchbishop Tutu Fellowship Programme.
Mubairo uyu unopiwa kune vechidiki vari kusimukira munyaya dzehutungamiri, uye unotungamirwa nesangano reAfrican Leadership Institute.
Doctor Dzamara, avo vanorwirawo kodzero dzevanhu, munyori wemabhuku anodzidzisa nezvehutungamiri munyaya dzemabhizimusi variwo zvakare mukuru wesangano reOff The Hook Consultancy.
Vanoti vaninipiswa zvikuru nekudomwa kuve pakati pevanhu vacharwira mubairo uyu.
Vanenge vabudirira vachaziviswa mugore rinouya iri, uye vanenge vachizotarisirwa kupinda muzvirongwa zvekudzidza paMont Fleur kuSouth Africa pamwe nekuOxford University, Oxford uye muguta reLondon kuBritain kwakare.
Doctor Dzamara ndivo chete chizvarwa cheZimbabwe chakadomwa kukwikwidza muchirongwa ichi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Patson Dzamara