Vari Kunze kweNyika Voita Maonero Akasiyana paMwedzi Gumi neMiviri Hurumende yaShandurwa

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeZanu PF dzinoti VaChris Mutsvangwa, VaSibusiso Moyo naVaPatrick Chinamasa.

Rakwana gore mauto munyika apindira mukubvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe achipomerwa mhosva yekuparadza upfumi hwenyika pamwe nekukonzeresa kutambura kukuru kweveruzhinji munyika.

VaMugabe vakatsiviwa naVaEmmerson Mnangagwa, avo vakambenge vatiza munyika mushure mekupomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMgabe pachigaro.

Chiitiko chekubviswa kwaVaMugabe pachigaro ichi chakatambirwa nemufaro mukuru nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika pamwe nekunze kwenyika, sezvo vazhinji vaiona VaMugabe semunhu aitadzisa nyika kuenda mberi. Vakawanda vari kunze kwenyika vakaronga kudzokera kumusha, vamwe vakatodzokera.

Asi kusvika nhasi vamwe vachiri kunze kwenyika vakaita saVaKingstone Jambawo, avo vari kuLondon, vanoti havana kumhanyira kudzokera kumusha nekuti hapana chakashanduka pakupinda kwakaita hurumende yaVaMnangagwa panyanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKingstone Jambawo

Asi chimwe chizvarwa chezimbabwe chiri muWashington D.C., vari nhengo yeZanu PF, VaFrenk Guni, vanoti hurumende itsva iripo munyika yakanunura vana veZimbabwe vakanga vasina rusununguko kwemakore akawanda kwazvo pasi paVaMugabe.

VaGuni vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa chete kupa hurumende iyi nguva yekugadzirisa zvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni