Sachigaro webato reMDC T, VaLovemore Moyo, avo vanonzi vakaita tsaona yakaipisisa neMugovera, vachiri muchipatara cheMater Dei kuBulawayo.
VaMoyo vakakuwara pamwe nemutyairi wavo, VaVumani Mahlangu, nenhengo dzebato dzinoti VaArtwell Sibanda naMelisa Mabeza, apo vaibva kumusangano weNational Executive Council yebato ravo.
Motokari yavaifamba nayo yerudzi rweBT50 inonzi yakarovana neimwe mumugwagwa weHarare-Mvuma mushure mekunge mutyairi wavo aedza kunzvenga mombe yaive pakati pemugwagwa.
Vamwe vaive naVaMoyo vari muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kuBulawayo kwakare.
Tsaona iyi yakaitika mukati memaawa makumi maviri nemana nhengo ina dzeMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube dzaitawo imwe tsaona yemotokari mumugwagwa weBulawayo-Harare usiku hwemusi weChishanu mushure mekurovawo mombe yaive mumugwagwa.
Vaive mumotokari iyi vanosanganisira munyori mukuru webato iri, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, mutauriri webato iri, VaNhlanhla Dube, pamwe nemutyairi wemotokari iyi neimwe nhengo yebato, VaSindizo Mazibisa.
Amai Misihairambwi-Mushonga, avo vanga vari pachipatara cheMater Dei kuBulawayo, vanonzi vakaburitswa muchipatara neSvondo vachibva vaendeswa kuHarare kunoonekwa nenyanzvi.
Vana ava vanonzi vaibvawo kuHarare kwavakanga vapinda musangano wenhaurirano dzekubatana nechikwata cheMDC Renewal Team.
Vamwe vavo vanonzi vakabudawo muchipatara.
Mutevedzeri wemutairiri weMDC T, VaJoel Gabuza, vanoti tsaona mbiri idzi nedzimwe dziri kuitika munyika dzinoratidza kuti hurumende inofanirwa kukasika kugadzirisa migwagwa yenyika, uye kuona kuti migwagwa yadzivirirwa kubva kumombe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoel Gabuza