Vanopikisa Vofananidza Chikiribidi Chavanoti Chakaitika Musarudzo dzeZanu PF neSarudzo dzeNyika

  • Jonga Kandemiiri

Zanu PF Supporters Celebrate Concourt Ruling Zimbabwe Elections3

Sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu makuru muZanu PF dzakaitwa svondo rapera dzinonzi nevamwe dzakaunza kusawirirana kukuru mubato iri, vamwe vachiti hadzina kufambiswa zvakanaka, asi vamwewo vachiti sarudzo idzi dzakafambiswa negwara remusangano uyu regutsaruzhinji.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwakanyaya kwedzimwe nhengo dzeZanu PF dzichiti sarudzo idzi dzakabirirwa uye dzaive dzizere nechikiribidi mune mamwe matunhu.

Asi neChitatu komiti yepamusoro muZanu PF yePolitburo yakatambira zvakabuda musarudzo idzi kunyange hazvo paine vamwe vainyunyuta vachida kuti dzidzokororwe.

Matunhu anonzi haana kufambisa sarudzo zvakanaka anoti Harare, Masvingo, Manicaland pamwe neMashonaland Central, achinzi akaitwa chikiribidi pakaitwa sarudzo idzi.

Kunyange hazvo Politburo yakatambira zvakabuda musarudzo idzi, mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, vakatoudzawo musangano uyu kuti vakanga vasiri kufara nechikiribidi chinonzi chakaitwa mumatunhu aya, kunyange hazvo vakakurudzira kuti vakakundwa vatambire zvakabuda musarudzo idzi, uye kuti nhengo dzebato ravo dzibatane.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nevebato rinopikisa reMDC Alliance vanoti kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo muZanu PF uku mucherechedzo wemafambisirwo anoitwa sarudzo munyika, kunyange hazvo dzichitungamirwa neZimbabwe Electoral Commission.

Sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti kunyunyuta kuri munhengo dzeZanu PF uku ndiko kunyunyuta kuzere muvana veZimbabwe vavanoti vanogara vachibirwa sarudzo nehurumende yeZanu PF.

VaDzvokora vanoti chokwadi chiri kutoonekwa nekubirana kuri kuitika muZanu PF, zvichireva kuti vana veZimbabwe vanofanirwa kutosimba kuchengetedza mavhoti avo.

Asi nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, avo vari kuBritain, vanoramba kuti sarudzo dzakabiridzirwa vachiti zvinoitika muZanu PF hazvineyi nezvinoitika muhurumende sezvo zvinhu zviviri izvi zvakasiyana.

Doctor Mavaza vanoti musiyano uripo pakati pebato ravo neMDC Alliance ndewekuti vanenge vakundwa musarudzo vanotambirra zvabuda musaruddzo havabude mubato vachinotanga mapato avo voga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora Pamwe naDoctor Masimba Mavaza