Nechinangwa chekubatanidza vanhu vemapato akasiyana mumaruwa akawirwa nedambudziko remhirizhonga yezvematongerwo enyika, sangano reHeal Zimbabwe Trust rinoti riri kupinda mumaruwa richiita zvirongwa zvemushandira pamwe pakati pevanhu vanga vasingaonani nenyaya dzematongerwo enyika.
Sangano iri rinoti rakatanga zvirongwa zvekurima mapindu pamwe nekushanda pamwe mumatunhu mana emunyika anoti Muzarabani neChiweshe kuMashonaland Central, Gokwe kuMidlands neGutu kudunhu reMasvingo.
NeChishanu chapfuura, sangano iri rakabatanidza madzimai angangosvika makumi maviri kubva kubato reZanu PF nebato reMDC mukushanda mubindu reKutsungirira Project, kuMuzarabani, senzira yekupodza mavanga ezvematongerwo enyika akakonzerwa nemhirizhonga dzezve matongerwo enyika, zvikuru mugore ra2008.
Chirongwa ichi chave negore chaumbwa uye chinonzi chiri kutambirwa zvakanaka mumatunhu achapinda.
Kunze kwekupodza maronda uye kudzidzisa vanhu nezvekugarisana zvakanaka, chirongwa ichi chinopawo madzimai aya mabasa, kunze kwekuswera vakagarira maoko.
Sangano reHeal Zimbabwe Trust rine zvirongwa zvakawanda zvekubatanidza vanhu munzvimbo dzakamboita mhirizhonga yezvematongerwo enyika, zvakaita sezunde nemabira ekuchenura matunhu.
Vanoona nezvezvirongwa musangano reHeal Zimbabwe Trust, Muzvare Laura Gutura, vanoti chirongwa chavo chiri kutambirwa zvakanaka mumatunhu mana aya, uye mune remangwana vari kutarisira kushanda nevechidiki avo vakawanda vavo vasina mabasa.
Muzvare Gutura vanoti vakasarudza kutanga kushanda nemadzimai sezvo vari ivo vanoshungurudzwa zvakanyanya munguva dzemhirizhonga, kungave kuburikidza nevarume vavo vanenge vari mune zvematongerwo enyika kana ivo pachavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMUzvare Laura Gutura