Mukuru weMapurisa Ovimbisa Kusunga Vakabhomba White City Stadium Mwedzi Wapera

  • Taurai Shava

ZRP Police Commissioner Godwin Matanga In Bulawayo

Mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vavimbisa kuti munhu kana vanhu vakaputitsa bhambu rakauraya vanhu vaviri kuWhite City stadium mwedzi wapera, vachabatwa chete.

Bhambu iri rakapotsa nepadiki diki rakuvadza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutevedzeri wavo, VaKembo Mohadi, mudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Mary Chiwenga, sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, uye vanhu vaviri vakafa, vamwe vanodarika makumi mana vakakuvara.

Vachitaura kumapurisa pakushanya kwavo paRoss Camp Provincial Headquarters muBulawayo, VaMatanga vati vafara kuwana mukana wekushanya vachisangana nemapurisa kekutanga kubvira pavagadzwa semukuru wemapurisa.

Asi vati sevamwe vanhu vose munyika, moyo wavo uri kurwadziwa nekuputika kwebhambu muBulawayo masvondo maviri apfuura vanhu vaviri vakafa mushure mechiitiko ichi.

Vakafa ava musi wa Chikumi 23 mukuru wevachengetedzi vaVaMohadi, VaNelson Dube pamwe nemuchengetedzi waVaChiwenga, VaStanley Mugunzva

VaMatanga vatsidza kuti mapurisa achabata chete munhu kana vanhu vakaita izvi vakati vari kufara nerubatsiro rwavari kuwana kubva kune mamwe mapazi ehurumende panyaya iyi.

VaMatanga vati kubatsirana kwemapazi akasiyana-siyana ehurumende panyaya iyi ndiko kwaita kuti kusvika pari zvino vanhu vaviri vanofungidzirwa kuti vane chekuita nenyaya iyi vasungwe.

Kunyange hazvo pane mashoko ekuti vaviri vakasungwa ava vakaburitswa muhusungwa nezuro vachinzi havana mhosva, VaMatanga varamba kutaura kuvatapi venhau pamusoro penyaya iyi vachiti hapana chavanokwanisa kutaura pari zvino kunze kwekuti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

VaMatanga vati vanoziva kuti mapurisa vari kushanda vasina zvikwanisiro zvakakwana asi vati vanofanirwa kuramba vakazvipira kuchengetedza veruzhinji sezvavanotarisirwa.

Vatiwo vanhu munyika, kusanganisira mapurisa, havafanirwe kuita zvehuwori vakati havazozezi kudzinga ani zvake anowanikwa achiita zvehuwori muchipurisa.

VaMatanga vatiwo sezvo nyika yatarisana nesarudzo mapurisa anofanirwa kuwanikwa achishanda sezvaanotarisirwa kuita kuti nyika iite sarudzo dzakachena uye murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava